

Muchidzidzo cheRuambanyeredzi (nge.astrology)zvindeya ne mitumbi ye muchadenga zvinosanganiswa kuvumba mwiri wezanodzamu[C 1] reruzivo rwe ruambanyeredzi kuitira kudzidza nezve vupenyu hwe vanhu. Zviro zvemuchadenga, zvindeya, mwedzi, zuva uye zvindeya (senge Herisi na Ẋayironi) zvinosanganiswa zvichimirira zvikamu zvakayina zvevupenyu hwemunhu[1]. Chindeya chisingasanganiswi ndiRinopasi nekuti ndicho chindeya chinogarwa nevanhu, kusanganiswa kwacho kunoposhedza chinangwa cheruambanyeredzi, chekuwongorora mapesvedzero emitumbi ye muchadenga pavanhu.[2] Rinosanganiswa zvisingavoneki, nekuti, senzvimbo yekuzvarwa ndiro divi-reruono rwekuti zvindeya zvakagadzikwa sei muchadenga nemufambo wenguva uye nekupoterera zuva.
Muruambanyeredzi,machati anoshandiswa kurondedza horokodzwa muraya rinonzwisisika. Chati remunhu rine zvikamu zviviri, chikamu chekutanga ndechezvindeya ne mitumbi yemuchadenga, rechipiri nderedzimba, idzo dzinotodzazviratidzo zveruambanyeredzi.
Zvindeya ne mitumbi zvakarongwa zvichitanga neZuva,Mwedzi,Nyamatsatse,Hweva,Murongazuva,Vhenekeratsvimborume,Chirema,Rivusamatenga (yuranisi),Nyn'aimamushana (neputoni),Njondi. Chindeya chimwe nechimwe chinechirevo chachinomirira muchati remunhu, uye rinoenderana zviratidzo zviguminembiri.
Dzimba dzinoperengwa kubva kuna Motsi kusvika kuna Guminembiri zvichienderana nezvindeya ne zviratidzo uye chikamu chakasiyana chevupenyu hwemunhu.
Dzimba dzinorongwa zvichienderana nezviratidzo, saini rinovuswa nechindeya chinobva chanzi "M'vusi", patafura yepazasi panyorwa dzimva, zvindeya (vavusi) uye masaini; uyezve zvindeya zvinovusa dzima zve, imba imwe neimwe ine m'vusi wayo.
| Dzimba | Zvindeya (M'vusi/Vavusi) | Zita re Saini | Chishongezi | |||
|---|---|---|---|---|---|---|
| Parizvino | Muchikare | |||||
| Motsi | Murongazuva | Hondowe | Erisi | |||
| Mbiri | Hweva | Handira | Torisi | |||
| Nhatu | Nyamatsatse | Mamanga | Jemano | |||
| Nna | Mwedzi | Gakanje | Kenza | |||
| Shanu | Zuva | Shumba | Riyo | |||
| Nhanhatu | Nyamatsatse | Rimhandara | Vhego | |||
| Nomwe | Hweva | Pima | Ribhura | |||
| Sere | Njondi | Murongazuva | Rinyavada | Skopisi | ||
| Pfumbamwe | Vhenekeratsvimborume | Uta | Sajiterisi | |||
| Gumi | Chirema | Rimbudzi | Kapurikoni | |||
| Guminerimwe | Rivusamatenga | Chirema | Chirongo | Akwarisi | ||
| Guminembiri | Nyn'aimamushana | Vhenekeratsvimborume | Rihove | Paishisi | ||