Movatterモバイル変換


[0]ホーム

URL:


Svetuka kuchirochemo
Wikipedia
Tsvaga

Yuropu

Kubva Wikipedia

Yuropu[1] (Chingezi: Europe) rimwe rematunhu eziendanakuenda anonziziwumbe Izwi rokuti ziwumbe rinoreva nyika chinoenderera. Ziwumbe re Yuropu ndiko kunobvaVazungu kwavakapararira vachibva vakanotapa nokutonga nzvimbo dzinoti:Ostireriya;Mubatanidzwa we Mavuso e Amerika;Kanadha neNyuzilendi.

Taranyika

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

Yuropu ndiyo chikamu chiri kumadokero kweziendanakuenda reYurezhiya.Ezhiya neYuropu dzine muganhu pachisuvi chemvura chiri pamakomo eUrawu (Ural) neKaukasi (Caucasus), paRwizi Urawu, neBhahari re Kaspiya neBhahari Tema. Dzinoganhurana zvakare pamvura inobatanidza Bhahari Tema neBhahari re Eegi (Aegean). KuMaodzanyemba kwe Yuropu kunegungwa re Akitiki nemamwe makungwa, kuMadokero kunegungwa re Atlandiki, kuchamhembe kune bhahari remedhiteraniya neBhahari tema nemuronga unobatanidza magungwa aya. Yuropu inopatsanurana neAfurika pabhahari remedhiteraniya iyo iri kuMaodzanyemba kwe Afurika.

Yuropu ndiyo ziwumbe rechipiri pakudupuka kwenharaunda; ziwumbe iri rine nharaunda inokwana 6.8% skweya makiromita enharaunda inevhuPasirose. Yuropu ine nyika dzinoda kusvika makumi mashanu (50),Rhashiya iriyo nyika hombe pakuwanda kwevanhu nenharaunda.Guta Vhatikani ndiyo yakanyanya kudupuka. Yuropu ndiro ziwumbe rechitatu pakuwanda kwehugari hwevanhu ichiteveraEzhiya neAfurika. Yuropu ine vanhu 733zvuruzvauru/mamiriyoni chinova chikamu 11% chehugari hwevanhu Pasirose. Mugore ra1900 zvinofungidzirwa kuti Yuropu yaive nehugari hwevanhu vanokwana 25% ye vanhu Pasirose.

Rhashiya ine zvikamu zvevhu muYuropu zvese ne Ezhiya.

Mitauro ye Chibantu

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]


Ziwumbe


Yuropu

Andora ·Arubhaniya ·Arumeniya ·Azeribhaijani ·Bherarusi ·Bherujyamu ·Bhoziniya ne Herizegovhina ·Bhuritani ·Bhurugariya ·Cheki ·Dhanemaki ·Estonia ·Furanzi ·Holandi ·Hlovhakiya ·Hlovheniya ·Hungariya ·Itari ·Jojiya ·Jerumani ·Kazakhistani ·Kurohesha ·Maruta ·Masedhoniya Maodzanyemba ·Monako ·Monthenegiro ·Morudhovha ·Musande Marino ·Noruweyi ·Ostiriya ·Polandi ·Putugaro ·Rakisombhegi ·Rativhiya ·Rhashiya ·Rishenistayini ·Ritwaniya ·Romania ·Saipurasi ·Serubhiya ·Speini ·Swidheni ·Turuki ·Vhatikani ·Vugiriki ·Vufini ·Vukireni ·Vusvwisi ·Yerelendi ·Yisirandi

Mabviro eruzivo

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
  1. https://vashona.com/en/dictionary/en/Europe
Nyukura kubva ku "https://sn.wikipedia.org/w/index.php?title=Yuropu&oldid=98899"
Mipanguro:

[8]ページ先頭

©2009-2025 Movatter.jp