tarisai futiChishona, uyeBumbiro reMabhii eChishona
Chinzvanyira cha Y chinoshandiswa pamashoko akawanda kuChishona, uye chinowanikwa mumazita futi zve. Rinowanikwa se bhiidurika rinoshandiswa zvose ne tarabhii.
Mukushandiswa setarabhii, [Y-], anoshandiswa kusika tarabhii ra [Yh-].
Mukushandiswa sebhiidurika, [-y] anowedzerwa pamamwe mashoko kuvumba zvimwe zvitarabhii zvekuwedzera.
Mabhiihwaro anotevera anowedzerwa [ -y]: J- (Jy), Dh- (Dhy), Th- (Thy), H- (Hy), G- (Gy), K- (Ky), N'- (N'y), Nj- (Njy), Nd- (Ndy), R- (Ry). Mabhiihwaro aya anoshanduka kunzwiwa kwawo nokuwedzera [Y- ], semuenzaniso, Ha- anonzwika sa [Hi-ya]. Panowedzerwa [Y-], panogona kunyorwa nezvinzovera futi, [Y-] ndi [-ia, -ii, -ie, -io, -iu-].
Zvinzvanyira zvakazvimirira zvinoti pakunyorwa nebumbiro remabhii eChiratini zvinoshandisa bhii ra [Y] ndi: Ty, Dy, Ny, Nyn'. Zvinzvanyira izvi hazvirongedzwe sematarabhii kana mabhiidurika kuChishona, nekuti mabhihwaro anoshandiswa kusika mamwe, haasi ekusikwa iwo, kuiswa ka Y- hakushanduri manzwirwo awo, kungori kunyorwa kwawo. Pamusoro pezvo, kunzwika kwawo hakudinge [Y-], semuenzaniso Ty- haana kusikwa nokusanga T- na Y-, zvinzvanyira izvi hazvitombonzwikwe muruzha rwa [Ty-]. Asi muna Thy-, [Th- na Y-], zvinonzwika, ndizvofuti pana Gy- [G- na Y-].