Republic of UgandaJamhuri ya Uganda |
| National motto: For God and My Country |
 |
Vuganda (kurevaUganda) kanaBuganda, uye pachihofisi ichinziRudhende rwe Vuganda, inyika yakakomberedzwa iri kumabvazuva kweAfurika. Vuganda inoganhurana nenyika dzinoti:Kenya iri kumabvazuva;Sudhani Chamhembe iri kumaodzanyemba;Utemabanze we Rudhende rwe Vukongo iri kumadokero;Rwanda iri kuchamhembechekumadokero uyeTanzania iri kuchamhembe.
Kuchamhembe kwenyika iyi kunobatanidzira chikamu chikuru cheNyanza Victoria iyo ine zvikamu muKenya neTanzania; izvi zvoreva kuti Vuganda iri muNyanza Huru dze Afurika. Vuganda iri munzvimbo inobva mvura yeRwizi Nile uye matunhu ayo ane mamiriro ekunze akatsaukana asi achienderana nepairi panemuenzanisi.
Zita rokuti Vuganda rinobva paUmambo we Vuganda, hunobatanidzira chikamu chikuru chekuchamhembe kwenyika zvichisanganisira gutaguru reKampala.Mutauro wayo wechihofisi iChingezi. Mutauro weChiganda wakatekeshera nenyika yose uye kune mimwe mitauro mizhinji inosanganisiraChiswahiri, Chiateso,Chilango,Chiacholi,Chinyoro,Chinyankole,Chikiga,Chiluo,Chitooro,Chisamia,Chikopadhola, uyeChisoga.
Mutungamiri wenyika pari zvino (2021) anonziYoweri Kaguta Museveni uyo akatora chigaro nechisimba mugore1980.