Vaigbho (kurevaIgbo) kanaWaigbho, muchikare vainzi zveIboe,Ebo,Eboe,Eboans,Heebo; semuchitauro chawoṆ́dị́ Ìgbò) iboka reruchava rwunowanikwa muNaijeriya. Vanowanikwa pauzhinji mumavuso eAbia, Anambra, Ebonyi, Enugu, uye ne Imo. Huwandu hwunoverengeka unowanikwa wo mumavuso e Dheruta uye Rivers. Huwandu hukuru hweruchava rwe Maigbo anowanikwa kuKameruni,Gabhoni, uyeGhini YoMutsazanisi, pamuso pezvo vanowanikwa wo kunze kweAfurika.
Vaigbho vanotauraChiigbho.
Zita ravo rokutiIgbho, mushure mekuongorora mavhidhiyo evatauri veChiigbho vachifundisa kutaurabhii rokuti "gb", rinonzwika sa "bwo" ariimplosivhi sengeba be bi bo bu asi aribwa, bwe, bwi, bwo, bwu asi ndekuti Chishona hachina kusiyanisabw nabhw zvose zvinonyorwa zvimwe, zita rokuti Igbo rakanyorwa sokutiIgbho nokusaziva. Riri kusiyiwa zvakadaro ndokuti muChiighbo "bo" anonatirwa (aspirated), muChishona mashoko anonatirwa anoiswa "-h", senge "bho" kana "hha" uyezve "nzha" uye "ndh".Inzwi reChishona pakuti "bo" rakaita kakukwira kusiyana ne reChiigbho, saka kuti zvisiyaniswe tirikutiIgbho.