Movatterモバイル変換


[0]ホーム

URL:


Svetuka kuchirochemo
Wikipedia
Tsvaga

Vaazeri

Kubva Wikipedia

Peji rino rinodakuwerengwa ne kuwedzerwa

Musikana wechiAzeri

Vaazeri (kanaVaazeribhaijani, Vaturuki veAzeribhaijani) vanhu verudzi rwe chiTuruki vanowanzo gara mu maodzanyemba-madokero eIrani seruzhinji hushoma hweRudhende rwe Azeribhaijani, vakasanganiswa ne tsika yeVarungu,Vairani uyeVaturuki. Ndiwo vanhu vehuwandu wechipiri pakati pevanhu vanotauri mitauro ye Chituruki, mushure me Vaturuki uye vazhinji wavo Mamuzirimu eShia. Vanosanganisa hukuru hwerudzi rweRudhende rwe Azeribhaijani uye huwandu hwavo ndewe hukuru werudzi wechipiri hwepadhuze neIrani neJojiya. Vanotaura mitauro yeChiazeri unobva kubazi reOghuz re mitauro ye Chituruki.

Mushure mehondo dzeRhusso-Pezhiya muna1813 ne1828, nzvimbo dzeQajar Irani muCaucasus dzakaceded kuHumambo hweRhashiya, uye matreaty eGuristani (Gulistan) muna 1813, uyezve Turkmenchay muna 1828 zvakapedziswa miganhu pakati pe Rhashiya ne Irani. Mushure memakore anopfuura 80 ekuva pasi peHumambo hweRhashiya muCaucasus, Rudhende rweRipabhuriki ye Azeribhaijani akavambwa muna 1918 iyo yakasimbisa dunhu re Rudhende rwe Azeribhaijani.

Zita

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

Azərbaycanlılar, آذربایجانلیلار‎) kanaAzeris (آذریلر‎), vano zivikanwa wo se VaAzerbaijani Turks (muChiazeri:Azərbaycan Türkləri, آذربایجان تۆرکلری‎)[1][2][3]

Nhoroondo

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

Zita re Azeribhaijani rakabva kuAtropates, Mu-satrap akatonga region yekare yeAtropatene (Azeribhaijani yanhasi).[4] Iro zita re Atropates rakavambwa kubva kuChipezhiya chekare raireva kuti "rakadzivirwa ne moto."[5]

Azeribhaijani munhoroondo yaive nyika yehuwandu wevanhu wakawanda uye yakapinda mu maimvezheni akawanda kubva kuhuwandu hweVarungu,Medhi,Vasitiya (scythians), kubva kuUmwene hwePezhiya,Arumeniya,Vagiriki kubva kuUmwene hweRoma,Vakhazari,Vaarabhu weKarifate (Caliphate),Vaturuki weOghuz uyeUmwene hweRhashiya.

Zvekare

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

Zvinowanzo fungwa kuti Umambo hwekutanga hwakasimuka munzvimbo ye Kokasiya Arubhaniya. Vanhu vekutanga kumvedha (?invaded) waive Masitiya muzana remakore 9 BC. Imvezheni (?invasion) ye Medhi yakateerwa neyeVasitiya, Medhi yai mudzimurira nzvimbo ye chamhembe che rwizi reArasi. Medhi yaivambaumwene (empire) hukuru mu zana remakore 9 ne 7 BC dzakazo paradzaniswa ne Vaakimunidhi muna 550 BC. Mupiriyodhi iyi chiZoroastiriani chakaparadzwa kusvika ku Azeribhaijani. Maakimunidhi wakabva wazo kundwa naIskandara muHuru muna 330 BC, akabvumidzasaturapu Maatoropati eMedho kuti arambe achitonga.

Mushure mekuderera kwedhinasti revaSeleucid muPezhiya mumakore anopoteredza 250 BC, humambo hweArumeniya hwakatonga nzvimbo dzeAzeribhaijani pakati pa190 BC na428 AD. Muzana ramakore rekutanga kwe AD maAlbans eKokasi vakagadzira humambo hwaive hwakazvimiririra zvakanyanya kusvika vaSassanid vahuita. nyika yevassal muna 252 AD  Muzana remakore rechina AD Mambo Urnayr akaita chiKristu chitendero chehurumende, uye Albània yakaramba iri nyika yechiKristu kusvika muzana remakore rechisere. Mutemo weSassanid wakapera nekukundwa nemaAbbasid caliphs muna 642.

Mabviro eruzivo

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
  1. MacCagg, William O.; Silver, Brian D. (10 May 1979).Soviet Asian ethnic frontiers. Pergamon Press. ISBN9780080246376. Archived from the original on 4 February 2021. Retrieved 8 May 2020 – via Google Books.
  2. Hobbs, Joseph J. (13 March 2008).World Regional Geography. Cengage Learning. ISBN978-0495389507. Archived from the original on 4 February 2021. Retrieved 8 November 2020 – via Google Books
  3. Binder, Leonard (10 May 1962). "Iran: Political Development in a Changing Society". University of California Press. Archived from the original on 4 February 2021. Retrieved 8 November 2020 – via Google Books.
  4. Historical Dictionary of Azerbaijan by Tadeusz Swietochowski and Brian C. Collins. The Scarecrow Press, Inc., Lanham, Maryland (1999), ISBN 0-8108-3550-9 (accessed 7 June 2006).
  5. The Azerbaijani Turks: Power and Identity under Russian Ruleby Audrey Altstadt. Hoover Institution Press (1992),ISBN 0-8179-9182-4(accessed 7 June 2006).
Nyukura kubva ku "https://sn.wikipedia.org/w/index.php?title=Vaazeri&oldid=89987"
Mipanguro:

[8]ページ先頭

©2009-2025 Movatter.jp