Ugondamano (kuChingezi: philosophy) chidzidzo chakanangana: nekubuditsa pachena misimboti yedenhe reruzivo riri kutariswa; kubata chokwadi chedingindira riri kucherechedzwa, uye kuumba patsva ruzivo rwakagamuchirwa nevanhu nechekare. Anachigondamano (philosopher) vanhu vanoshanda mubande reUgondamano.
Philosophy izwi reEnglish rakaumbwa nemazwi maviri anoti:philo- (meaning love) uyesophia (skill, knowledge, wisdom) kanasophis (wise, learned).KuChiShona izwi rokutikugonda (to trust, to depend on) rinoreva kuvimba mune chinhu. SakaUgondamano zvinoreva chidzidzo chakanangana nekuwana uye kunzwisisa ungwaru hwakapinda pakuumbwa kwenhaurwa; zvinhu; mubisho; mutemo; kana zvisikwa zviri panyika nemuchadenga.
Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyanazvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.
- VaLenje vanotimano (sense, intelligence, reason, wisdom, cleverness, knowledge) vachirevamano.
- VaChewa vanotikukondanzeru (n. philosophy). Mamwe mazwi:kukonda (v. to love).