Movatterモバイル変換


[0]ホーム

URL:


Svetuka kuchirochemo
Wikipedia
Tsvaga

Sango

Kubva Wikipedia

Sango (forest in English) inzvimbo isna misha yakavakwa ine miti nehuswa. Zvakakosha kuchengeta masango tisingapise nokuti miti irimo inogadzira oxygen yatinofema uye unobata mhepo kuti isasvika kumisha nesimba rakanyanya. Miti inochengetedzawo tupuka tunobatsra mbesa dzedu panguva idzo mbesa dzinenge dzotumbuka; tupuka utwu tunobatsirasikarudzi mumbesa dzinorimwa. Tupuka twakafanana nenyuchi tunobatsira kutakura chikono chembesa kuendesa kuchikadzi mumaruva.

Binga mupata weRwizi une miti yakawanda sezviya zvinoonekwa kumapinga ekuCongo kana ekuBrazil muBinga reAmazon.

  • Dondo (bush country, forest, uninhabited land, bush of large trees) kureva sango kana nzvimbo iri kunze kwemusha kusina anogarako.
  • Jiri sango remiti yemizhanje.
  • Chiwunga Sango remiti yeminzwa.
  • Denhere kanachinanga (thicket, thick bush) zvinoreva sango rine makwenzi akabatana zvakanyanya zvokuita dzote asi asina kunyanya kureba.
  • Dzote (Thick, dark forest) kanagwindingwi kutaura sango rine miti mizhinji yakabatana kunyanya.
  • Jowa kanamajowa (Very thick forest). Mujowa resango munotyisa kufamba kana munhu ari oga: when a person is alone it is frightening to travel through a thick forest.
  • Gowa magowa (Stretch of uninhabited country) apa kureva nzvimbo yesango isingagare vanhu isina misha.
  • Mhundwa kana bvokocho (Thick impenetrable growth of grass and other plants).
  • Nhanga inzvimbo inozivikanwa nevanhu kwavanopota vachiendwa vachiwana mhuka dzesango dzavanovhima, kana kuwana michero yaanotsvaga. KuDomboshava kune ruwa runonziRunhanga.
  • Tsoka kanadondo (a forest) kanachitsoka (a dense forest).
  • Bungu,gwasha kanamakwasha (a forest) kureva sango zvichitaurwa kuChiNdau.Mumagwasha zvoreva mumasango - in the bush country.
  • Rubaya (a field; a wilderness; plain, desert) uku kutaura kweChiNdau kuchireva munda/mhene/sango??. Psalm 78:12..... muRubaya rweZoan.


Tsika

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

ChiShona chine mazita emhuri ane chekuita nesango anosanganisira:Chebundo,Chesango,Chisango,Masango,Madondo,Dondo,Chipungu,Rubaya,Tsoka.

  • Psalm 107:35 Anopindurarubaya kuita makandwa emvura, nemavhu akaoma kuitazvinyuka zvemvura. (Kubva muBhaibheri reChiNdau.
  • ... wakauemesa murubaya rweDhura, munyika yeBhabhuroni: ... and set it up on theplain of Dura in the province of Babylon (Daniel 3:1Bhaibheri reChiNdau).
  • Nemiti inosara yegwasha rake inozoita mishomani nomwana mudoko ungakona kuinyora pashi. its forest’s remaining trees will be no more than a child can count. (Isaiah 10:,Bhaibheri reChiNdau).

Tsumo

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
  • Chinokura choga isango munda kukura huonatewe. What grows alone is a forest, a field grows when it sees its master.
  • Sango rinopa waneta.
  • Patemwatsoka rave bomho. Where a forest has been cut there is an open veld.
  • Atapatira adazhengeni, agara pfunde adamusoso. He who struggles chooses the forest while the one who merely sits (around) chooses peace.
  • Dondo harinambikira. A forest provides no place for hiding (something).
  • Mudondo hamunambiko. The forest is not a place to hide things.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
  • Mururimi rweLenje kunotaurwa izwi rokutimusitu (Undergrowth). Zvingava nechekuita nezwi rokutiRusitu?
  • VaGiryama vanotitsaka (forest) vachirevasango.VaKagulu vanotinyika (n. bush) vachirevasango.
  • VaLenje vanotilusaka kanachisaka (thick trees, thick forest) vachirevasango dema.
  • VaGungu vanotiirungu kanamarungu pakuwanda (n. wilderness, bush; area of wild vegetation and other wild creatures).
  • Kikuyu inoti ithangu (n. foliage) kurevamashizha. Pamamwe mazwi eKikuyuthi anotodzatsi.
Nyukura kubva ku "https://sn.wikipedia.org/w/index.php?title=Sango&oldid=101142"
Mupanguro:

[8]ページ先頭

©2009-2025 Movatter.jp