Shoko rokutiMutandira riri kushandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzisystem kuEnglish.Mutandira uri kurehwa unenge une: ndima ine miganhu yakatarwa, ine wamashandirwo ebasa nekufambiswa kwamashoko nemutowo wakarongeka. Zviitiko zvinowonekwa pakucherechedzamutandira, zviitiko zvinopota zvichidzokorora zvokuti zvinobvira kuziva zvichazoitika paMutandira munhambo dzakatarwa. Kana totaura pahuzhinjisystems dzinenge dzichinzimitandira. Pahumwe tinokwanisa kutidandira.
Shoko rokutimutandira rinodudzirwa kuEnglish richinziregular organised procedure, system or community.
- Nekumwe kutaura tingati izwi iri rinoreva kubatanidzwa pamwe, munzvimbo imwe, kwezvinhu zvine ukama huri kutarirwa.
- Mutandira rinoonekwa pakuva nezvinhu zvinobatirana, nekurarama, nekudyidzana pamwe munzvimbo kana nhambo yakatarwa.
Kuti titsanangureMutandira tinogona kusanganisira:
1. nhengo dziri paMutandira;
2. mashoko anodudza mashandirwo emabasa nendima dzinoshandwa nenhengo dzirimo;
3. mitemo inotonga nhengo dzirimo uye;
4. zvinyorwa zvinotaura ukama huripo pakati penhengo (elements, stakeholders) idzi;
5. nekutara miganhu yeMutandira, uye miganhu yezvinotenderwa kana kusatenderwa kuitika kana kuti kuva nhengo.
Mutandira une hukama hunosimbiswa neenzane pakati pezvinopimwa (equations & relationships), maitirwo ezvirongwa (procedures & protocols),zvinyanye (extrema), zvichingodaro.
Mutandira -co-existing or working combined together kana kutiregular organised procedure, system or community pakupirikira kuEnglish.
KuEnglishsystem inodudzirwa ichinziany formulated, regular, or special method or plan or procedure oran assemblage or set of correlated members.