Muroyi munhu anofungirwa kunzi anoshandisa masimba akaipa kana mushonga wakaipa kuti: abudirire, atonge vamwe kana kukuvadza vamwe. Muroyi angava murume kana mukadzi. Mutsika zhinji zvinofungirwa kuti varoyi vanofamba vachiita mabasa avo munguva dzehusiku. Pasichigare huroyi hwakanga hwusinga shandisirirwi vanhu vese-vese. Hwaishandiswa nguva yehondo kukuvadza mhandu. Muenzaniso unowanikwa mubhuku rinonzi Kutonhodzwa kwaChauruka. (kana paine vachiri kutondera nyaya iyi ngava tibatsirewo nekuwedzerera dzinde iri).
- Hwanga (medicines used for evil purposes) mishonga inoshandiswa nenzira yakaipa inokuvadza vamwe.
- Mhandu (hostile person, enemy, person of a disordered mind) zvichirevamuvengi kanamudzivisi.
- Kusatenda huroyi
- Muroyi royera kuri kuti vavakidzani vagokupupurira.
- Akaroyiwa neakafa.
- Munhu uyu haabvaruri magumbeze - kutaura kuti haarare mumagumbeze acho nokuti anenge achinoroya husiku.
Huroyi hunonzi hunouya nenzira dzakatsaukana.
- Humwe huroyi hunonzi ndehwemadzinza hunotambidzanwa kubva kuvakuru vedzindza rimwe nemunhu ari kuhupihwa. Mumwe mwanasikana anokwanisa kunge akagamuchidzwa huroyi kubva kumadzitete kana madzimbuya. Pane kutaura kunoti izvi zvinonyanya kutangira kuhope kwaanoedzwa nevaroyi kuti vaone kuti ane moyo ungatambira huipi hwacho here.
- Vamwe ndivo vanoita huroyi hwekutsvaga vega vaine zvinangwa nezvikonzero zvakasiyana. Vamwe vanodaro nokuda kweshanje; kuda kutonga, kana kuda kupfuma.
- Gona haribati pasina rimwe.
- Kihaya inotiomulogi (witch) kurevamuroyi.Lenje inotilowa (bewitch, put a spell on, destroy by magic) kurevakuroya.
- VaFwe vanotikurowa kurevakuroya.Maconde vanotinnyavi (n. witch; sorcerer) kurevamuroyi.
- Yao inotiusawi (n. witchcraft) kureva huroyi.VaGungu vanotikulenga (v. curse, bewitch) kurevakuroya.
- Zigula inotiusawi (n. witchcraft, sorcery, magic, hex, witch's ritual objects) kureva huroyi.
- Digo inotiutsai (n. witchcraft) kurevahuroyi. Mamwe mazwi:mtsai (n. witch) kureva muroyi.Shambala inotiushawi (n. witchcraft).
- MaZulu vanotilumba (1. Do wonders; perform conjuring tricks; make inventions; 2. Indulge in occult practices; practise witchcraft)
- Kinande vanotierilenga,kurengerera. Mamwe mazwi:omúléngere (bewitchment).omúlengere (the way to cast out bad luck).