Mukaka (milk in English) inowanikwa pamhuka dziri pamupanda wedzinoyamwisa . Mukaka unodyiwa nevanhu unokamwa pamombe kana pambudzi . Mombe inokamiwa mukaka panguva yokunge iinemhuru .
Jinya kanamajinya (Piece of a curd) kureva horakora remukaka.
Mukaka unogadziriswa zvinhu zvakawanda zvinosanganisira: yoghurt; cheese; butter; ice cream; milk chocolate nezvimwe zvinwiwa nzvekubikisa.
Kana mukaka uchinge wakodzekwa unoitaruwomba pasi pacho paine mutuvi kana kuti mvura. Ruwomba runoshandiswa ruchidyiwa rwakadaro kana kugadzira butter, cheese nezvimwewo.
Munhukadzi kana asununguka mwana mazamu (breasts) anoburitsa mukaka weanonwisa mwana. Vanoita zvehutano vanokurudzira kuti mwana anwe mukaka uyu kusvika pagore nemwedzi mitanhatu nekuti mumukaka uyu munowanikwa zvese zvinodiwa pakuti mwana akure zvakanaka. Vakadzi vanosununguka vana vaine chirwere cheshuramatongo (HIV) havakurudzirwe kuyamwisa mwana nekuti vanokwanisa kutapurira hutachiwana kumwana nenzira iyi.
Taita vanotimaziwa (n. milk) kurevamukaka .Lomwe vanotimukaka kurevamukaka .VaNgala neVaKongo vanotimabele (milk).VaUmbundu vanotiavele (milk) kurevamukaka .Nsenga inotitua (be white - bright, pure). Fananidzai nokutimutuvi ?Nyaneka inoti amavele kureva mukaka.Lenje inotimakupa kanamandili (milk; fresh milk) kureva mukaka mumbishi.Umbundu inotikola (v. s., be great; strong, solid, firm).VaGwere vanotibbongo (n. sour, solid milk) kureva mukaka wakakora. VaLenje vanotimandili (sour milk) kureva mukaka wakakora.Bushong vanotimabela (n. milk) kurevamukaka .