Movatterモバイル変換


[0]ホーム

URL:


Svetuka kuchirochemo
Wikipedia
Tsvaga

Motsi

Kubva Wikipedia
DobodziMotsiPiri
1
-10123456789

Udorongodzwa hwe manumeriMbumbira

0102030405060708090

Kadhinarimotsi, poshi, modza
HodhinariChimodza, Chimotsi

Chiposhi, chipotsi

Mtandira we unumeroun'we (unary)
Fek'tarizesheni
Zvigoviso (divisors)1
Manumeri e ChigrikiΑ´ ne α'
Manumeri e ChirhomaI, i
Chivakashure che Chigirikimono-/haplo-
Chivakashure che Chiratiniuni-
Binary12
Ternary13
Octal18
Duodecimal112
Hexadecimal116
Chiarabhu,Chikurudhi,

Chipezhiya,Chisindhi,Chiurudhu

١
Chiasamiya &Chibhengari
Manumeri e Chichayina一/弌/壹
chiDhevhanagari
Chige'ezi
ChijojyaႠ/ⴀ/ა(Ani)
Chihebheruא
Chijapani一/壱
Chikanadha
Chikhimeri
Chimarayaramu
Chitai
Chithai
Chitamiri
Chitelugu
Rodhi yekurava𝍠

Motsi (1) poshi kana chimwe iri ivara rehuwandu,chiperengo chehuwandu, uyewo izita rechiperengo chinomirira huwandu uhu. Chinomirira huwandu hwechinhu chimwe chete. Motsi kana kuti chiposhi zvinorevawo pfungwa yokuva chikamu chimwe kubva muhumwe hunobva mumubatanidzwa hwezvinhu. So muenzaniso, chidimbu chemutsara chakareba nechikamu chimwe chehubatanidzwa hwehurebu (chezvikamu zvehurebu).

Muzvidzidzo zveMasvomhu,chiperengo chehuwandu ichi chinomirirawo zvinotevera:

  • Pachinyakare, ichi chiperengo chohuwandu (ordinal number) chokutanga, kunyangwe zvazvo mazuvano maitiro anogamuchirwa noruzhinji ndeokushandisa chiperengo chehuwandu chinomirira kusavapo kwezvinhu,0, saicho chiperengo chokutanga.

Mamwe mazita: bodzi, posi, potsi, modza, bodza, imwe, moshi, mosi

Kurerutsa Mutauro

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
  • Pazuva rechimotsi vana vechikoro vanoratidzwa dzimba dzekugara.
  • Nhangande zvinoreva chinhu chimwe chiri chenga, ringava shizha kana vhudzi kana dombo.
  • -dzamuka (Be, or be

able to be, removed in one piece - e.g. sadza, clay, mamera manyoro).

Zviri Mberi

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

Chivakashure cheEnglish chinotiproto chingaturikirwa sei? Proto zvinorevafirst, foremost, earliest form of

Prototype rinokwanisa kunzimhando yechiposhi kanamhando yechimotsi kanamotsi wemhando.Zvichida pane kutodzana pamazwi anoti:posi,poshi,bodzi,mhodzi,bodzwa,chibodzwa kanambodzwa?

Mitauro ye Afurika

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
  • Chewa vanotikamodzi (once) kureva munhu kuita kana kuverengwa kwechinhukamwe.VaKongo vanotimoxi (n. one).
  • VaGiryama vanoti(w)akwandza (first, beginner) vachireva wekutanga.VaZigula neVaGiryama vanotiumwenga (n. Oneness; unity; union; singular).
  • VaBukusu vanotindala (one - in counting).Liikhumi naa ndala (n. Eleven) kurevagumi nerimwe.VaWanga vanotindala (n. one).
  • VaNyole vanotibamunyumba ndala (n. people of same house, family).Enda endala (of the same mother).Ngiemboon vanotitàʼ (one).
  • Digo neGiryama vanotimwenga (one) kurevamumwe. Sokutimutu m-mwenga kureva munhu mumwe.Kwama vanoti sene kana sondo (n. one).
Nyukura kubva ku "https://sn.wikipedia.org/w/index.php?title=Motsi&oldid=98105"
Mupanguro:

[8]ページ先頭

©2009-2025 Movatter.jp