Movatterモバイル変換


[0]ホーム

URL:


Svetuka kuchirochemo
Wikipedia
Tsvaga

Kufuta

Kubva Wikipedia
A front and side view of a "super obese" male torso. Stretch marks of the skin are visible along with gynecomastia.
Murume akafuta zvakanyanya MHM 47 kg/m2: huremu 146 kg (322 lb), hurefu 177 cm (5 ft 10 in)

Muzvizdzidzo zvehurapikufuta (Obesity in English) zvinotaura kuwanda kwemafuta mumuviri kunenge kwasvika padanho rokugona kukanganisahutano hwemunhu, kukonzera hurwere kana kudamburira hupenyu hwemunhu pakati.Munongedzo weHuremu hweMuviri (Body Mass Index) chikero chinofananidzahuremu nehurefu hwemuviri wemunhu. Chikero ichi chinoti huremu hwemunhu hwapfuura mwero kanaMunongedzo weHuremu hweMuviri huri pakati pa 25 na 30 kg/m2, munhu akadarika 30 kg/m2 anenge ave kunzi afutisa. Tsazaniso inotsvagiswa Munongedzo weHuremu hweMuviri inonyorwa sezvizvi:

Munongedzo weHuremu hweMuviri, MHM = Huremu/(Hurefu)2 kg/m2

Tsika

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
  • Kune dzimwe tsika, munhu akafuta anoonekwa kunge munhu ane mari yakawanda. Izvi zvinenge zvinodaro nokuti ana muzvina bhizinisi vakawanda vakafuta vaine matumbu akakura.
  • Mukutaura kwemazuva ose kunonziMunhu ari kusimba apo panenge pachirehwa kuti ari kufuta.
  • Mutauro wechimanje manje unotaura uchiti munhu ari kuwanda kana kuti mudhafu.
  • Kakarakununa hudya kamwe.

Mitauro yeAfrika

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
  • VaBemba vanotinona (be fatty or oily) vachirevakununa.VaDigo neVaGiryama vanotikunona kananona (to be fat, to get fat) vachireva kununa.
  • VaUmbundu vanotikola (v. s., be great; strong, solid, firm).VaShambala vanotiazaneneka (he is fat) vachireva akafuta.
  • MaZulu vanotinonisa (1. make fat. 2. Please, make comfortable. 3. Make interesting, improve) kureva kununa.VaNande vanotierinuna (exude fat) kureva kununa.
  • MaZulu vanotiukunonisa amagama (to qualify or moderate words). Mamwe mazwi:ukunonisa indaba (to make a story interesting).
  • MaZulu vanotidilika (v. Be very stout (lit. be hanging with fat) vachireva kufuta zvokurembera mafuta.Lela vanoti nòoká (be fat).
Nyukura kubva ku "https://sn.wikipedia.org/w/index.php?title=Kufuta&oldid=90527"
Mupanguro:

[8]ページ先頭

©2009-2025 Movatter.jp