Movatterモバイル変換


[0]ホーム

URL:


Svetuka kuchirochemo
Wikipedia
Tsvaga

Jekanyika

Kubva Wikipedia
Mbariro dzeTaranyika (φ) nemitambariko yeTaranyika (λ) dzichidudzirwa paMburungwa. Mitsetse yakatarangana 10 madhigiriyi.

Muchidzidzo cheJekanyika(Geodesy), nyika yakatarwa nemhando mbiri dzemitsetse. Kune mitsetse yakatarwayakayambikana neMuenzanisi inonziMbariro dzeTaranyika,(lattitude). Kune mitsetse yakatarwa ichibata kuNorth pole neSouth pole inonzimitambariko yeTaranyika,longitude. Mitsetse iyi inoshevedzwa nenhamba dzakarongeka. Nhamba dzemitsetse yeMbariro dzeTaranyika dzinoveregwa dzichibva paMuenzanisi dzichienda kumavirira nekumadokero. Nhamba dzemitambariko yeTaranyika dzinoverengwa dzichibva pamutsetse weGreenwich Meridian zvichienda kuNorth pole neSouth pole. Greenwich Meridian mutsetse welongitude unopfuura pedyo neRoyal Observatory, Greenwich, kuUnited Kingdom.

Naizvozvo nzvimbo dzose dziri panyika dzine nhamba inotaura kuti nzvimbo iri papi mudandemutande remitsetse iyoyi. Ruzivo urwu ndirwo rwakashandiswa muhumhizha hweGPS,Geographical Position System chinova chombo chinobatsira kutaura kuti tiri papi uye kuratidzadivi (direction) rine nzvimbo yatinoda kuenda.

Nyukura kubva ku "https://sn.wikipedia.org/w/index.php?title=Jekanyika&oldid=106457"
Mupanguro:

[8]ページ先頭

©2009-2025 Movatter.jp