Kuti muvane zvimwe zvirevo zveshoko iri, ringai:Ishe (tsauranisa chirevo)
Ishe (kurevaChief, Lord) kanaShe zvinoreva munhu akagadzwa kuti ange achitonga vanhu vanogara mudunhu. MuZimbabwe madzishe anotora zvagaro zvichienda nemhuri dzavakaberekerwa; mdzishe havavhoterwe. Ishe wechikadzi anonziShekadzi, uyeVakalanga vanoti woHekadzi.
Nyika ye Zimbabwe ine madzishe anodarika mazana maviri. Mukuru wemadzishe anonzi IsheFortune Charumbira.
- Gombwa kanamakombwa (Hereditary name especially of Cheiftainship) izita rinodanwa narwo Ushe hwedunhu sokuti Ishe Chinamhora kunyange zvazvo wacho akabata chigaro anokwanisa kunge asingashandise zita iroro sezita remhuri.
- Senge mana (be in — of part of village).
- Dendemaro (Throne) apa kureva chigaro choumambo. Izwi iri rinotaurwa kuChiNdau.
- Ngundu (head-dress of chief).
- Dzungudza (crown) kumururimi rweChiNdau. Kune zita remhuri rinonziZunguza.
- Esther 5:1, ..... Mambo waiya akagara padendemaro rake roumambo.... : the king was sitting on his royal throne..... (kubva muBhaibheri reChiNdau).
- Ishe kukura, nokuwandirwa. A chief grows with the number of his subjects.
- Ishe, vanhu. The chief(dom) is (made by) people.
- Ishe-ndishe, ngoya ndingoya. A chief is a chief (and) a kraal head is a kraalhead.
- Ushe uruvirwa. Chieftanship is to be worked for.
- Muzandiripo haarambiri pachigaro. A predecessor is not entitled to remain in the seat (indefinitely).
- Ushe makota. Chiefship depends on the councillors.
- Munhu kubata ushe makota. A person holding chieftainship is like (having) councillors.
- Rwomuranda rwakoneswa norwashe, rwashe rwakoneswa nemvura kunaya. The servant's (journey) has been foiled by the chief's (while) the chief's (journey) has been foiled by rain.
- Ushe usiyiranwa. Chieftainship is a legacy.
- Ushe idova hunoparara. Chieftainship is (like) dew; it evaporates.
- Ushe imhute inoparara zuva rabuda. Chieftainship is (like) fog; it vanishes at sunrise.
- VaYao vanotichilambo kanalilambo (country, territory ruled by a single chief; flat country).VaGulu vanotinyika (n. wilderness).
- VaLenje vanotimwame (Chief or headman of a village; free man not a slave).VaFwe vanotimurena (chief).
- VaMakua vanotiulupale (chief) kurevaIshe. VaMakua vanotiumwene (Chiefship) kurevahushe.
- VaChewa vanotiumwenye (chief) kurevaIshe.VaTaita vanotimzuri (chief, king) kurevaIshe.
- VaKabwa vanotimtemi (chief) kurevaIshe.VaNgala vanotimokonzi (chief) kurevaishe.
- Sesotho vanotimorena (n. Lord) kureva Ishe.