Movatterモバイル変換


[0]ホーム

URL:


Svetuka kuchirochemo
Wikipedia
Tsvaga

Isaac Newton

Kubva Wikipedia
Isaac Newton

VaSir Isaac Newton (4 Ndira 1643 – 31 Kurume 1727) vaiva scientist nephilosopher vane mukurumbira vaibva kuEngland.

Zviitwa zvikuru

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

Muchidzidzo chemasvomhu, vaNewton vakawedzera zvikuru, ruzivo rwedu rwemasvomhu. Nharaunda dzavakabetsera kuwedzera ruzivo dzinosanganisira zvese mukubva mukarikurasi (calculus),pimanzvimbo nealgebra. Pamwe chete naGottfried Wilhelm Leibni zvakabatsira kuumba ruzivo rwedu rwekarikurasi - nyangwe vakashanda vakazvimiririra. Muchidzidzo chefundoyetsimba, vaNewton vakawanikidza kutichiedza chichena hachisi cheruvara rimwe asi chakagadzirwa nemavara avakapa zita rekuti ma"primary colours" (mavara ekutanga). "Experimentum crucis" yavo inehumbowo hwedudzirazivo (theory) yavo yekugadzirwa kwechiedza murutsaudzo runoitika kana chiedza chichipfuura nemuzhumwi.

Mukudzidza kwekukuhamba (motion), mabhuku aNewton, "Philosophiæ Naturalis Principia Mathematica", akakosha zvikuru mufundoyetsimba yanhasi. Bhuku rekutanga mumabhuku acho rinopa uye rinotsananguraMitemo yeruhambo yaNewton (motion) inganyorwa sezvizvi:


  • Mutemo wekutanga: Pachinge pasinafosi rokunze rinomutsisa, mitumbi yose inoramba iri pakuzorora, kana pakuhamba kusingashanduke ichitevedza gwara rakatwasuka. Izvi zvinoreva kuti mutumbi wakazorora unoramba wakazorora kusvika wamutswa nefosi rokunze risina rimwe fosi rinorigadadza. Zvakare mutumbi uri kuhamba unoramba uri kuhamba nespidhi imwechete uyerudzivo rusingashanduke kusvika apo unotekenyewa nefosi rokunze risina rimwe fosi rinorigadadza. Uyu mutemo unodanwazve kuti mutemo wechinepfu.



Kurerutsa Mutauro

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
  • Fosi inopinga ndiyo inonziacting force kuEnglish kureva racho fosi ratanga kusunda kana kuzvuva.
  • Fosi inopingura ndiyo inonzireactive force kuEnglish kureva fosi rinopikisana nefosi ratanga kumutsa rinosunda kana kuzvuva.
Nyukura kubva ku "https://sn.wikipedia.org/w/index.php?title=Isaac_Newton&oldid=76453"
Mupanguro:

[8]ページ先頭

©2009-2025 Movatter.jp