Movatterモバイル変換


[0]ホーム

URL:


Svetuka kuchirochemo
Wikipedia
Tsvaga

Imbwa

Kubva Wikipedia
Imbwa Yemhando Rhodesian Ridgeback

Imbwa imhuka inochengetwa pamusha. Imbwa inoshanda mabasa anoti: kuvhima; kufudza zvipfuyo; kuzvuva mitoro kunyika dzinotonhora seCanada; kuchengeta musha; kubatsira mapurisa nemawuto kuronda; kutamba nayo; uye kubatsira vakaremara kana imbwa yakapingudzwa.

Kune marudzi mazhinji eimbwa,muZimbabwe mazita anowanza kupihwa imbwa ndeanoti Anashe,Macooks,Welly,Mupenyu,Colleta nerekuti Tonde.Kune imbwa dzinowanikwa dzakarasa pfungwa idzo dzatinoti imbwamipengo,dzimwe dzeimbwa idzi ndedzinoti Kaseke,Trish,Perkins neinonzi Masukume.Kana muchida kuziva zvizere batai Breezy parunhare ,uyo anofarira imbwa.

Kuberekana kwembwa

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

Imbwa dzinoyaruka zvokukwanisa kubereka padzinenge dzave nemwedzi mitanhatu kusvika gumi nemiviri (6-12); izvi zvinoititka kune mikono zvose nehadzi. Nzvari inoti kana yabindura inenge yagadzirira mupfungwa nemuviri wayo kuti inge ichishumirwa nemukono. Kubva painobindura imbwa nzvari, mazai acho anorarama kwesvondo zvichireva kuti panguva iyi nzvari inokwanisa kushumirwa nemikono yakawanda.

Imbwa dzinozvara mushure memazuva makumi mashunu ne matanhatu kusvika makumi manomwe nemavari (56-72) mushure mekunge Mbwa hadzi yasangana pabonde nembwa hono. Imbwa inobereka vana vanowanza kusvika vatanhatu (6). Mwana wembwa anonzihanda,mbwanana, kana kutimhondana.

Nyama yembwa

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

Imbwa dzinodyiwa nyama kwemazana emakore mazhinji kunyika dziri kumabvazuva eAsia dzinosanganisira Korea, China neVietnam. Pane kufungidzira kunoti pagore rega-rega kunobaiwa imbwa 13-16million muAsia kuti dzidyiwe nyama. Kunonzi nyama yembwa inosanganiswa nenyama yehuku nenhenhere dzemushenjere

Mamwe Mazwi

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

Zvirevo

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
  • Murandamuuya ndowembwa hairevi zvokwayabva.
  • Kurera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma.
  • Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatohwe.
  • Imbwa payadyira haipakanganwi.
  • Kuchengeta imbwa yomweni kuda mwene wayo.
  • Chembere ndeyembwa yomurume ndibaba wavanhu.
  • Imbwa inohukura hainangozi.
  • Kurova imbwa rova wakabata nyama. - Zvinoreva kuti kana uchida kubata munhu ane mano ake mutsvagire chinomukwezva.
  • Imbwa ine hona haihukuri. A dog with a bone (in his mouth) does not bark.
  • Imbwa kuminyahona inodada nechivhuno. A dog swallowing a bone is confident of its power to break it.
  • Imbwa kudya matehwel kushaya wokuvhima naye.
  • Tiri tose imbwa haidanwi imwe chete.
  • Kupatikira hakuna imbwa hora. To be startled by something is not (the way) of an old dog.
  • Shungu dzembwa dziri mumwoyo. Kuhukura ndiko kududza
  • Inotanda yomunyepi younyerere haitandi.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
Nyukura kubva ku "https://sn.wikipedia.org/w/index.php?title=Imbwa&oldid=110389"
Mupanguro:

[8]ページ先頭

©2009-2025 Movatter.jp