Movatterモバイル変換


[0]ホーム

URL:


Svetuka kuchirochemo
Wikipedia
Tsvaga

Huroro

Kubva Wikipedia

Huroro (kurevayellow)ruvara rwuri pakati peruvara rweranjisi nezerere panangazira rwe chiedza chinooneka.

Zvinhu zvineruvara rwehuroro izuva, kana ruva iro rinofanazuva, rinonziRingazuva kana 'ruvarezuva' kutodza chirevo che Chingezi.

Horongodzwa

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

Mavara mahuroro

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

Muhunhu hwe Vashona

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
Ringazuva.

Ruvara rwehuroro rwakakosha mutsika dzeVashona, zvinoonekwa munzira iyo inoratidzirwa seruvara rwe ndarama,zuva, uye tsime rehupfumi.

Nhoroondo panguva yeUbwami wa Mutapa uye kunyangweUmambo we Zimbabwe ndarama yaive chicherwa chakakosha. Yaitengeswa pakati penyika dze Vashona nedzimwe nyika, kuenda kuYuropu,Mabvazuva Epakatai,Vuarabhu neEzhiya.

Maruva eruvara rwehuroro.

Vanhu vaShona vaipfeka ndarama pamuviri wavo wese kubva kumakumbo kusvika kumusoro, sechiratidzo chepfuma muchimiro chaNdoro uye nezvimwe. Patsika nemagariro echiShona, zvishongo zvakadai zvinopfekwa panguva dzemitambo yakaita semichato; michato ye chivanhu (roora) neyechizvino-zvino.

Huroro mumitauro ye Chibantu

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
  • Manjano = muchiSwahili
  • Ophuzi = muchiZulu
  • Bosehla = muchiSouthern Sotho
  • Ṱaḓa = muchiVenda

Marevo kuVabantu

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

Ruvara rwe huroro rwakagara rwunoonekwa seruvara rwefuraro, ruvara runopenya uye rwakajeka. Chirevo chakadaro chakachengetedzwa mune dzimwe tsika dzakawanda (with exceptions).

Mumarudzi eVazulu, ruvara rwehuroro runowanikwawo pamureza weAfruika Chamhembe rinomiririra 'hupfumi hwenyika' kunyanya hwenyika ye Afurika Chamhembe.

Mabviro eruzivo

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

1. Marhaw, 16/15/2020,Colours in Colourful Africa: Symbolism and Meaning

2.Flag of Zimbabwe

Nyukura kubva ku "https://sn.wikipedia.org/w/index.php?title=Huroro&oldid=109723"
Mipanguro:

[8]ページ先頭

©2009-2025 Movatter.jp