Shoko rokutihuchenjeri (Intelligence) rino reva kugona ku shandisa pfungwa. Asi shoko iri rino kwanisa ku patsanurwa nokuti vanhu tonoonekwa tichigona kushandisa pfungwa nenzira dzakasiyana uye panguva dzaksiyana. Mumwe ane kuchenjera kwekugona muchikoro asi asina kuchenjera kwekugona kutaura nekugarisana nevanhu.
Mamwe mashoko anotaura mhando dzeuchenjeri ndeanoti:ungwaru;kupangama;unhari.
- Chisepe kanakuchenjera (Able, clever, expert person, be ingeneous) apa kureva nyanzvi.
- Chikwapuro (expert) nyanzvi.
- Chirapanuro (Wise person able to solve problems) apa kureva munhu anogonakurapanura mhaka dzinonetsa.
- Chingwarire kanachingwarira (Cautious person) apa kureva munhumungwaru.
- Njere (Wisdom, cleverness).
- Unhari (oratory skills) zvinoreva munhu akachenjera pakutaura anokwanisa kubata nokushandura mafungiro evanhu nokuda kwemashoko nemutauriro wake.
- Mhangami (Clever, watchful, practical person) apa kureva munhu akangwarira pakucherechedza nokuziva zvokuita. Uyo anonzi akapangama.
- Ngwazi (sage; a profoundly wise person; a person famed for wisdom)
- Sharara, chizazamburo, mbarayara (clever man) murume akachenjera.
- Gorokodzi,magorokodzi,gorokotera (Expert. Knowledgeable person. Person of vast knowledge) apa kureva chikwapuro kana nyanzvi.
- Chiti (know how) kureva uyo anogona kuita basa racho.
- Kuchenjedza (put on guard) - Wakandichenjedza nokusandipa mari kwawakaita nguva yakapera.
- Kungwara (to be intelligent; wise; cautious; careful).
- Kungwarira (to beware of; be clever at).
- Kungwadza (put on guard; warn; make cautious).
- Akasvinuka (smart).
- Rutondero (memory; common sense; thoughtfulness).
- Mbaravara,mbarevare kana nyanzvi (Clever person) apa kureva munhu akachenjera. Imbaravara yomukomana: he is an intelligent boy.
- Kugara nhaka kuona dzavamwe. Inheritance is seeing the affairs of' others.*
- Chakachenjedza ndechakatanga. What made one alert is what happened before.
- Chakangwadza ndechakatanga. What put one on guard is what happened before.
- Kushaya,nzero kwemhandara kupfumbira sadza chibhakera. It is unwise for a girl to fight sadza with her fist.
- VNyungwe vanotindzeru (n. wisdom, knowledge) kurevanjere.VaWanga vanotiinjero (example; way; method).
- Nsenga vanotichenjela (cunning, crafty, prudent, worldly wise, sly, clever). Mamwe mazwi:chenjeleka (v. entice, tempt, decoy, persuade).Kuchenjela (n. trick).
- VaYao vanotilunda (wisdom; sense) kureva huchenjeri.VaShambala vanotimunyani (be careful, be clever, take care, beware) kurevakuchenjerera.
- Lenje neVaTonga vanotichenjela (clever) kurevakuchenjera.Lozi inoti-cenjela (v.i. to know how to foresee trouble and shun it) kurevakuchenjera.
- VaKwere vanotimbala (intelligent) vachirevakuchenjera.MaZulu vanotiizikhwepha (n. Power, strength, ability, faculty.) vachirevanjere.