Hondo yePasirose yeChipiri(HP2) (neChirungu: World War Two, WW2) kana kutiHondo yaHitler yaiva hondodandiranyika yakarwiwa nenyika zhinji dzePasirose kuvamba mugore 1939 ichizopera mugore 1945. Hondo iyi yakarwiwa nehuzhinji hwenyika dziri pasirose, kusanganisiramhitsa dzehondo -super-powers. Pakuguma kwazvo kwakamuka mapoka enyika akabatana kurwa hondo aitimawuto echikumbano(allied forces) nemawuto ezvikerema -(axis forces), . Hakuna hondo pasirose yambotekeshera matunhu sehondo iyi, yakarwiwa nevarwi vemawuto vanosvika mamirioni zana (100 million) vaibva kunyika dzinodarika makumi matatu (30). Munguva iyi nyika dzakanga dziri muhondo dzakunga simba rose rehupumi, dzidzo yeScience, uyehushangazhi hwadzo kuti hushandire hondo iyi. Musiyano pakanga pasisina pakati pemawuto nevanhuwo zvavoakanga nokuti vose vakanga voita shishi nebamba rose kuti vatsigire nyika dzavo pakukunda hondo iyi.
Vanhu vazhinji vakafa muhondo iyi kusanganisira vazhinji verudzi rwaIsrael vakaurayiwa nemutongigodzonga (tyrant, dictator) ainziAdolf Hitler muhuipi hunodanwa kunzirushigido rwemaJudah - (Holocaust). Vanhu vakafa muhondo iyi vanofungidzirwa kusvika 50-70 miriyoni. Nhamba yevanhu vakafa iyi inoita kuti hondo iyi ive ndiyo hondo yakaipisa parufu rwevanhu munhoroondo yepasirose.