hondo yeVashangani Hondo (Chingezi :War ) inguva yokunge vanhu vachirwisana nezvombo vachikuvadzana nokuurayana. Hondo inoitwa yashevedzerwa vanhu vatadza kuwirirana kana kuti rimwe divi raita chindini, humbimbindoga hwokuda kufurusa nokutapa nzvimbo dzevamwe. Hondo inowanza kupera nekutaurirana, kukurirwa kwerimwe divi uye kunyoreranwa zvisungo pasi nemativi ose zvekupedza hondo
Mbambara (Spoils of war) - kare hondo dzairwirwa kupambambambara kana kutimhimbiri . Kana nanhasi hondo dzichiri kurwirwa kupamba asi imwe nguva zvichititwa nenzira dzakavandika. Dzimwe nyika dzine chinangwa chekupamba vanoitabaradzira rokuti vanoda kunatsa hutongi huri munyika yavari kunorwisa asi kuri kuyedza kubata vanhu kumeso. Chinangwa chavo chaicho kunenge kuri kuda kupamba zviwanikwa zvenyika iyi kana kuwanachouviri kubva munyika inenge yakurirwa pakurwa hondo. Ndipo paya panoonekwa hunyengeri hunoti nyika dzine zviwanikwa ndidzo dzavanohwndira asi imwe nyika inegodzongi romutungamiri haitombopumhwi kana isina chouviri chingawanikwa nevapambi ava. Saka kana nanzvinombambara dzichiri kurwirwa hondo.Makovore (battle) zvinotaura hondo mukati mehondo.
Chimurenga kanamurenga (rebellion).Marwiro (battle-field) zvinotaura nzvimbo yacho yakarwirwa hondo.Gona ,magona kanagonera (Rocky fastness) inzvimbo ine matombo inonetsa kusvika kuti mawuto arwise nzvimbo iyoyo.Nhungamiri (advance guard) apa kureva boka remawuto vakatungamiri kunorwahondo .Kurozva kanakutova ? (iobliterate) zvichireva kuparadza zvachose, zvinotauwa pamusoro pekuparadza rudzi rwevanhu kana muvengi.Mhandu kanabandu (hostile person, enemy, person of a disordered mind) zvichirevamuvengi kanamudzivisi .Dzembetembwe (warrior reluctant to fight). Kana vawanda tori madzembetembwe.Kukomba (besiege) zvichireva kukombera kana komberedza musha uri kurwiswa.Chitsvuku kanachishava (Occurrence in which blood is shed) apa kureva chitiko chinosanganisira kudeuka kweropa.Kuhwatama (Lie prone - hiding or stalking).Kutapa (kidnap, capture person) zvichireva kubata muvengi panguva yehondo achiitwanhapwa .Kupamba (to take by force).Mupambwa (one who is taken by force).Kureya (to avoid; dodge especially dodging a missile; dodge with head)Kureyana (to miss one another; to dodge one another).Mareya izita remhuri.Kutsedukira kanakurenga (dodge with body).Musati idumba, zveshe zvavanozoronza vanhu ava kuti idumba ; musatya zvevanotya, nokuti kukaruka: Don’t regard asalliance what this people calls alliance, and don’t fear what they fear or be awestruck by it. (Isaiah 8:12,Bhaibheri reChiNdau ). Asivanozojatira padera pevaFiristia ngokumabirirazuva; pamwepo vanozovachakata vanhu vokumabvazuva: But they willswoop down on the slopes of Philistia to the west; together they will plunder the people to the east. (Isaiah 11:14,Bhaibheri reChiNdau ). VaNyungwe vanotinkhondo kurevahondo .VaBemba vanotinkondo kureva hondo.VaGungu vanotikutara (n. wage war).Barotse vanotimalwelo (battle field) kureva nzvimbo yekurwira hondo.VaYao vanotimtambo (a battle-field).VaZigula vanotimkondo (n. an adversary).VaKikuyu vanotimakwatano (alliance).VaTaita vanotiuta (war) vachireva hondo. Mamwe mazwi:kokwata (adhesion).VaBukusu vanotikhuureenga (to become unruly).Mang'anja vanotichipomera kanachipomere (a war-cry; war cry; noise of a multitude).VaTaita vanotikondo (n. strife, uproar, disturbance, enemity).Kinande vanotieriholana (v. calm down). Mamwe mazwi:ulinde mupáka olúhi luholánê (v. wait until the war subsides) kureva mira kusvikira hondo yapora.