Movatterモバイル変換


[0]ホーム

URL:


Svetuka kuchirochemo
Wikipedia
Tsvaga

Gudo

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuDede)

Gudo (baboon in English) imhuka yemusango yakafanana netsoko. Makudo ane mumhu unosiyana zvichienderana nerudzi rwegudo racho. makudo ari kuGuinea akareba 50cm uye ane huremu hunoita 14kg; makudo ari kuno kuChamhembe kweAfrica akareba 120cm uye anehuremu hunoita 40kg.

Zvinoita sekunge gudo rakabata pfungwa dzevanhu kunyanya nemaitiro aro kana kuti maramiro aro. MuChiShona gudo rine mazita akawanda. Mamwe mazita ndiwo anoti:bveni;diro;mutirodede. Pahuwandu anonzimatede,makudo kanamapfeni.

Tsumo

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
  • Gudo guru peta muskwe vapwere vagokuremekedza.
  • Chinokura chinokotamamusoro wegudo chavechinokoro
  • Charovedzera charovedzera gudo rakakwairamawere kwasvipa.
  • Jerandoga zvinoreva mukono wegudo unogara woga. Izwi iri rinoshandiswawo kutaurahandira kana dzimwewo mhuka dzinogara dzoga. Vamwe vanoti mhuka inodya yoga inonzimberera - iyi ingava mhuka yerudzi chero.
  • Kuziva kunemombo ndokuna ani haidyi ichinyimamboyi.The male baboon shows unprecedented generosity; he does not eat anything without sharing with his female.
  • Chiro chiregwa, mutiro achirega nzambara. Everything has to be left as the babooon gave up nzambara fruit. (wild grapes)
  • Gudo harivingirwi pachiro. A baboon is never pursued up to his sleeping place.
  • Bveni kuipa zvaro, haridyi chakafa choga.
  • Gudo kutya zvaro asi haribatirwi mwana.
  • Gudo rakapona namanainai. A baboon escaped by dodging from place to place.

MuimbiOliver Mtukudzi wakaimba,Gudo munorivengerei, gudo haridyehusiku?Nhunzi wawapumha ndiye anopa zvirwere.

Mazita emhuri nenzvimbo

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

Kune mazita emhuri ane chitsama ane chekuita negudo. Mamwe ndiwo anoti:Nyamapfeni,Dirorimwe, Jerandoga,Chiro,Mutiro, zvichingodaro (zvd).

Mitauro yeBantu

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]
Nyukura kubva ku "https://sn.wikipedia.org/w/index.php?title=Gudo&oldid=110666"
Mupanguro:

[8]ページ先頭

©2009-2025 Movatter.jp