Movatterモバイル変換


[0]ホーム

URL:


Svetuka kuchirochemo
Wikipedia
Tsvaga

Chisumamunyati

Kubva Wikipedia

Shoko rokutichisumamunyati (Hypothesis in English) ringadudzirwa sezvizvi:


  • Bumbiro remashoko ari kusumwa nenyanzvi anoyedza kutsangangudza mhando yechiitiko nenzira yakarongeka uye inobatanidza zvinhu zvakacherechedzwa.
  • Chisumamunyati ndicho chinova hwaro hwekutara nzira nemaitiro ebasa rokubata idi kuti zviri kutaurwa nechisumamunyati idi here.
  • Chisumamunyati chinofanirwa kunge chakanyorwa nenzira iri nyore kunzwisisa uye yakarongeka.
  • Kugamuchirwa kwechisumamunyati kune chekuita nokuti chiri kupindirana netsananguro dzakapiwa nezvimwezvisumazivo kanamutemo zvakaparurwa nenyanzvi munguva dzakapfuura.
  • Kana chisumamunyati chapenengurwa choonekwa kuti chinotaura idi munhambo zhinji, chinobva chodanwa kunzimutemo.
  • chisumamunyati chinozoshandiswa kutsigira dudzirazivo munguva dziri mberi; saka chiri pasi pedudzirazivo pachikero chokuyedzwa nokugamuchirwa.

Zvakakosha kuonesana kutichisumamunyati chinotaura zvinofungidzirwa kuti zvinotsanangura chiitiko chiri kucherechedzwa nenzira yakatsarukana pamberi penyanzvi uye zvichifannidzwa nezvinozivikanwa nechekare. Icho chisumamunyati chinotoda kuyedzwa kuti pabatwe kuti chinoreva chokwadi here patsananguro yachinopa. Kune rimwe dividudzirazivo rinenge rakaedzwa rikawonekwa richireva idi panhambo zhinji zvokuti rave kutembeka mune zvarinotaura.

Kupiwa kwezita

[chinjirudza |chinjirudza mabviro]

Zita rokutichisumamunyati rabatanidza mazwi anotikusuma uyemunyati. Izwi rokuti kusuma rinoreva kupira mashoko kuvanhu kana kuti kuudza vanhu mashoko -to inform or propose. Shoko rokuti munyati rinoreva mazano, pfungwa zvikurusei mazano ane tsarukano anogamuchirika anotaridza kuti munhu ari kufunga zvakarongeka. Saka panochisumamunyati chinosuma pfungwa nemazano enyanzvi iri kunyora kune avo vachaverenga kana kunzwa. Chichifaninidzwa nezvinoitwa pakusuma mashoko padare mumusha, mashoko anotaurwa nechisumamunyati anogona kuvandudzwa zvichienderana nehumbowo hutsva.

Nyukura kubva ku "https://sn.wikipedia.org/w/index.php?title=Chisumamunyati&oldid=32456"
Mupanguro:

[8]ページ先頭

©2009-2025 Movatter.jp